Kushandisa nguva
This weekend ndanga ndichitaura nemu mzukuru wangu nekuda kwezvinhu zvatiri kuda muhupenyu wedu. Conversation iyi yakatanga musi we Saturday pandaka baya kubryanston parkrun naye. Tapedza kumhanya takati ngatiite breakfast timbo tandara zvedu. Tiri kuchiller kudaro ndopataka tanga kutaura nezve kumusha kwedu. Iye akati, “imi sekuru, mufunge pamusha penyu vana sekuru vakaita basa, vaka vakirira zviribho.” Ini ndakaseka, ndikati, “haa ndizvoo, vakaedzererawo vakangovakawo mbijana mbijana.” Ka conversation aka kakabva kandifungisa zvakawanda kunyanya pekuti “mbijana mbijana.” Zveshuwa, ndikaona musha wapera kuvakwa zvinobva zvaita kunga zvinotsvisa or kunga basa rakawandisa sterek. Zvechokwadi basa rinonga rakawandisa asi harina kuitwa musi 1, zvakatora makore akawanda, madhara achivaka mbijana mbijana. Mwedzi nemwedzi vangoisa kacash paside vombotenga simende, tati gare gare votyorera futi kamwe kacash votenga zvidhina, zvichingodaro daro. Wanikwa kwapera gore vatounganidza twunhu twavo. Saka ndiyo concept yandanga ndirikuda kuvheneka, kuti “musha unovakwa mbijana mbijana, kwete zvekumhanya chakakosha kuva nechinangwa ne discipline.” Pari panyaya dzekusaver mari neku vaka isusu vechidika tine advantage, madhara edu aihwandisa mari pasi pemubhedha vongova nerutendo rwekuti mari yachona hairohwe ne inflation kana kudyiwa before vatenga zvavari kuda kuvakisa. Zvino isusu nekuda kwe technology tine access kuma markets, tinokwanisa kutenga macurrency edzimwe nyika dzine maeconomy arinani ma Yhusa or even better tinokwanisa kutenga maindex funds vana S&P500 and nasdaq panaana easy equities naana etoro nekungodzvanya chibhatani. Ndikanatsoombozvifunga so, ndinoona tiri kutambisa mikana yanga isina madhara edu so, pandirizvino ndinokwanisa kuisa ka R1 000 every month pa easy equities ndotenga basket re 500 of the best companies mu america, the number one economy pasi rose. Rega ndiise picture pasi apa tione kuti the last 10 years yaita zvakadii S&P500
nasi ndi 16 June 2025 ngatidzokere kuna 16 June 2015
Pakaipa kkkk, ramhanya from $2092 to $5976 that’s almost a 3X from June 2015 to June 2025, ndikwo KUSHANDISA NGUVA kwandiri kureva. Kana ndaityorera kaR1000 pamwedzi muS&P500 since June 2015 kusvika June 2025, dai ndirikuburitsa about R300 000 wapaona, musha uya unovakika zvirinani. Vanhu pavanouona vobva vatya kuti maiwe, vachitadza kuziva kuti zvakitwa mbijana mbijana ndichishandisa nguva to my advantage or as leverage, pachiringu vanoiti compound interest. Saka ndizvo zvandiri kuda kuita tichienda mberi.