Dai ndakaziva inotungamira
Mukurarama kwangu makore achifamba handishayi ma actions andinodemba, dai ndakaita chakati, dai ndafonera nhingi, dai nhasi ndiripakati. Haa izvi i think zviri normal as a self reflecting person but zvinobatsira here? Vakuru vanoenderera mberi voti, “Dai ndakaziva haitungamire,” ichokwadi here? Muka small essay kanaka ndichaedza kupindura this question. Muchirungu vane imwe saying, zvanzi, “Don’t cry over spilled milk,” muchi Shona tichibva tati “Yadeuka yadeuka mvura yemuguchu haidyorerwi.” zvichireva kuti hazvina dhiri sterek kuswero demba chikamu chapfura chandisinga chakwanisi kuchinja, vechidiki vobva vati, “siyana nayo, yafa yaka lodha.”
Let’s start of chii chinoboita kuti ndisvike pakuti, “dai”. Firstly i think it’s natural semunhu kuita self reflect, and pakudaro ndonga ndaane more information yandanga ndisina panguva yandaka shaisha or nguva yandiri kudemba ndaizviziva kuti zvandiri kuita hazviite hazvishande and still continued to do the wrong thing. Ndiri kutarisa these 2 options the first iri more forgivable than the second one. Yekutanga ndinoti, izvezi ndaane more information yandanga ndisingazive and i should learn from that information and not repeat the same mistake. Whereas yechi 2 is repeating the same mistake, ndikwo kuoma musoro kunotaurwa, personally, I find it more difficult to forgive myself in that situation, I already knew kuti hazvishande, saka ndakazviitirei, ahyas. Kudemba uku pane zvakuno ndibatsira here? Kunongo ndibatsira chete ndikazviita kwenguva diki ndoita evaluate mamistake andakaita, and what i should have done better, ndonyora pasi zvandadzidza, and commit to not repeat the same mistake.
Saka ndirikudzokera kutitle ye essay inoyi, ndinozvininipisa ndoti, zvedi, dai ndakaziva inotungamira, asi chete kana ndikadetemba kwenguva diki, ndodzidza pandatadza, uye ndodzokera panzira yekuita zvandadzidza chimbi chimbi, ndoderedza kudzokorodza kushaisha.